Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 33:3-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. ‘Danai kwandiri uye ndichakupindurai uye ndichakuudzai zvinhu zvikuru zvakavanzika zvamusingazivi.’

4. Nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, pamusoro pedzimba dziri muguta rino uye nomuzinda wamadzimambo eJudha zvakakoromorerwa pasi kuti zvishandiswe pakuputsa mirwi yakakomba guta uye minondo,

5. mukurwisana navaBhabhironi, ‘Zvichazadzwa nezvitunha zvavanhu vandichauraya pakutsamwa kwangu nehasha dzangu. Ndichavanzira guta rino chiso changu nokuda kwokuipa kwaro kwose.

6. “ ‘Kunyange zvakadaro hazvo, ndicharivigira utano nokurapwa; ndicharapa vanhu vangu uye ndichaita kuti vave norugare rwakawanda nokuchengetedzeka.

7. Ndichabvisazve Judha neIsraeri norugare kubva muutapwa ndivavakezve sepakutanga.

8. Ndichavanatsa pachivi chose chavakanditadzira ndigovakanganwira zvivi zvavo zvose zvokundimukira.

9. Ipapo guta rino richandivigira mbiri, nomufaro, nokurumbidzwa uye kukudzwa pamberi pendudzi dzose dzepanyika dzinonzwa nezvakanaka zvose zvandinoriitira; dzigotya nokudedera pamusoro pokuwanda kwokubudirira norugare rwandinoripa.’

10. “Zvanzi naJehovha, ‘Munoti pamusoro penzvimbo ino, “Yaparara, haina vanhu vanogaramo kana mhuka dzinogaramo.” Asi mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema makasiyiwa musina chinhu, musingachagarwi navanhu kana nemhuka, muchanzwikwazve

11. manzwi nomufaro nokufarisisa, namanzwi emwenga nechikomba, namanzwi avaya vanouya nezvipo zvokuvonga kuimba yaJehovha, vachiti, “Vongai Jehovha Wamasimba Ose, nokuti Jehovha akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.” Nokuti ndichadzosazve pfuma yenyika iyi sezvayaiva iri kare, ndizvo zvinotaura Jehovha.

12. “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Munzvimbo ino, yakaparara uye isina vanhu kana mhuka, mumaguta ayo ose aripo muchava namafuro avafudzi okuvatisa makwai avo.

13. Mumaguta enyika yezvikomo, neemujinga mezvikomo zvokumavirira neokuNegevhi, munyika yaBhenjamini, nomumisha yakapoteredza Jerusarema nomumaguta eJudha, makwai achapfuurazve napasi poruoko rwunoaverenga,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 33