Hondo yamambo Nebhukadhinezari yakanga yakakomberedza Jerusarema, uye Jeremia muprofita akanga akapfigirwa muruvazhe rwavarindi rwakanga rwuri mumuzinda wamambo weJudha.