Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 31:37-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

37. Zvanzi naJehovha, “Kana chete matenga ari kumusoro akagona kuyerwa, uye mhepo dzenyika dziri pasi dzikagona kunzverwa, ipapo ndipo pandingarambe zvizvarwa zvaIsraeri, nokuda kwezvose zvavakaita,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

38. “Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichavakirazve guta kubva paShongwe yeHananeri kusvikira paSuo reKona.

39. Rwodzi rwokuyera ruchatandavara kubva ipapo kusvikira kuchikomo cheGarebhi ndokudzoka ruchisvika kuGoa.

40. Mupata wose unorasirwa zvitunha namadota, neminda yose kusvikira kuMupata weKidhironi kumabvazuva kusvikira kukona reSuo raMabhiza, zvichava zvitsvene kuna Jehovha. Guta harichazombodzurwi kana kuparadzwazve.”

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 31