Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 31:13-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Ipapo varandakadzi vachatamba uye vachafara, majaya navatana vachafarawo. Ndichashandura kuchema kwavo kuti kuve mufaro; ndichavanyaradza nokuvapa mufaro pachinzvimbo chokusuwa.

14. Ndichagutsa vaprista nezvakawanda, uye vanhu vangu vachazadzwa nokupa zvakanaka kwangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

15. Zvanzi naJehovha, “Inzwi rinonzwikwa muRama, rokuungudza nokuchema kukuru, Rakeri achichema vana vake uye achiramba kunyaradzwa, nokuti vana vake havachipo.”

16. Zvanzi naJehovha, “Dzora inzwi rako pakuchema nameso ako pamisodzi, nokuti basa rako richaripirwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vachadzoka vachibva kunyika yomuvengi.

17. Saka ramangwana rako rine tariro,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vana vako vachadzokera kunyika yavo.”

18. “Zvirokwazvo ndanzwa kuchema kwaEfuremu achiti, ‘Makandirova semhuru isina kupingudzwa, nokudaro ndakarangwa. Ndidzorei, ipapo ndichadzoka, nokuti imi ndimi Jehovha Mwari wangu.

19. Mushure mokutsauka kwangu, ndakatendeuka; ndakati ndanzwisisa ndikazvirova chipfuva. Ndakanyadziswa uye ndakaninipiswa nokuti ndakatakura nyadzi dzouduku hwangu.’

20. Ko, Efuremu haasi mwanakomana wangu anodikanwa, mwana anondifadza here? Kunyange dai ndichimbomutuka hangu, ndinoramba ndichimurangarira. Naizvozvo, mwoyo wangu unomushuva; ndinomunzwira tsitsi kwazvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

21. “Zvimisirei shongwe dzenzira: Misai zvikwangwani. Cherechedzai mugwagwa mukuru, mugwagwa wamakafamba nawo. Dzoka, iwe Mhandara Israeri, dzokera kumaguta ako.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 31