Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 30:6-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Bvunzai muone: Ko, murume angagona kusununguka mwana here? Zvino, seiko ndichiona murume mumwe, nomumwe akasimba akabata padumbu pake namaoko ake somukadzi worwadziwa, zviso zvose zvachenuruka?

7. Haiwa, zuva iro richatyisa seiko! hakuna richafanana naro. Ichava nguva yokutambudzika yaJakobho, asi iye achaponeswa pairi.

8. “ ‘Pazuva iro,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘Ndichavhuna joko pamitsipa yavo uye ndichadambura zvisungo zvavo; havachazoitwizve varanda navatorwa.

9. Asi, vachashumira Jehovha Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo, iye wandichavamutsira.

10. “ ‘Saka, usatya, iwe Jakobho muranda wangu; usavhunduka, iwe Israeri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Ndichakuponesa uri kure zvirokwazvo, nezvizvarwa zvako kubva munyika yokutapwa kwavo. Jakobho achavazve norugare nokugara zvakanaka, uye hakuna achazomutyisa.

11. Ndinewe uye ndichakuponesa,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Kunyange hazvo ndakaparadza chose ndudzi dzose dzandakakuparadzira pakati padzo, handingazokuparadzi zvachose iwe. Ndichakuranga asi nokururamisira chete; handingakusiyi usina kurangwa zvachose.’

12. “Zvanzi naJehovha, ‘Ronda rako harirapiki, kukuvadzwa kwako hakupori.

13. Hakuna anokureverera mhaka yako, vanga rako harina mushonga, hapana kuporeswa kwako.

14. Vose vaikuda vakakukanganwa; havachina hanya newe. Ndakakurova sezvinoitwa nomuvengi ndikakuranga sezvinoitwa nouno utsinye nokuti zvivi zvako zvakawanda.

15. Unochemeiko pamusoro pevanga rako nokurwadziswa kwako kusingarapike? Nokuda kwokukura kwemhaka yako nezvivi zvizhinji ndakaita zvinhu izvi kwauri.

16. “ ‘Asi vose vanokudya iwe vachadyiwawo; vavengi vako vose vachaenda muutapwa. Vanokupamba, vachapambwawo; vose vanokuparadza, ndichavaparadzawo.

17. Asi iwe ndichakudzorera pautano uye ndichaporesa maronda ako,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘nokuti iwe wakanzi murashwa, Zioni zvaro risina ane hanya naro.’

18. “Zvanzi naJehovha, ‘Ndichadzosazve kutapwa kwamatende aJakobho uye ndigonzwira ugaro hwake tsitsi; guta richavakwazve pamatongo aro, nomuzinda uchamira panzvimbo yawo yakafanira.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 30