Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 30:18-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. “Zvanzi naJehovha, ‘Ndichadzosazve kutapwa kwamatende aJakobho uye ndigonzwira ugaro hwake tsitsi; guta richavakwazve pamatongo aro, nomuzinda uchamira panzvimbo yawo yakafanira.

19. Nziyo dzokuvonga nenzwi romufaro zvichabva kwavari. Ndichawedzera kuwanda kwavo, uye havangatapudzwi; ndichavavigira kukudzwa, uye havangadukupiswi,

20. Vana vavo vachava sepamazuva ekare, uye ungano yavo ichasimbiswa pamberi pangu; ndicharanga vose vanovamanikidza.

21. Mutungamiri wavo achava mumwe wokwavo; anovabata ushe achamutswa pakati pavo. Ndichamuswededza pedyo uye iye achaswedera pedyo neni, nokuti ndianiko achazvipira kuti ave pedyo neni?’ ndizvo zvinotaura Jehovha.

22. “ ‘Saka muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu.’ ”

23. Tarirai, dutu raJehovha richaputika mukutsamwa kwake, mhepo inovhuvhuta ichimona pamisoro yavakaipa.

24. Kutsamwa kunotyisa kwaJehovha hakungadzoki, kusvikira apedza zvinovavarirwa nomwoyo wake. Muchanzwisisa izvozvi pamazuva anouya.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 30