Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 3:22-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. “Dzokai, imi vanhu vokusatenda; ndichakurapai pakudzokera kwenyu shure.”“Hongu, tichauya kwamuri, nokuti imi muri Jehovha Mwari wedu.

23. Zvirokwazvo mheremhere youfeve iri pazvikomo, napamakomo unyengeri; zvirokwazvo muna Jehovha Mwari wedu ndimo mune ruponeso rwaIsraeri.

24. Kubva pauduku hwedu nyadzi dzakadya zvibereko zvamabasa amadzibaba edu, makwai avo, nemombe dzavo, vanakomana navanasikana vavo.

25. Ngativatei pasi munyadzi dzedu, uye kunyara kwedu ngakutifukidze. Takatadzira Jehovha Mwari wedu, isu tose namadzibaba edu; kubva pauduku hwedu kusvikira nhasi hatina kuteerera Jehovha Mwari wedu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 3