Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 29:7-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Uyezve, mutsvake rugare nokubudirira kweguta randakakuendesai kuutapwa. Murinyengeterere kuna Jehovha, nokuti kana rikabudirira, nemiwo muchabudirira.”

8. Nokuti, zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, “Musarega vaprofita navavuki vari pakati penyu vachikunyengerai. Musateerera kurota kwamunovakurudzira kuti varote.

9. Vanokuprofiterai nhema muzita rangu. Handina kuvatuma,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

10. Nokuti zvanzi naJehovha, “Panopera makore makumi manomwe eBhabhironi, ndichauyazve kwamuri ndigozadzisa zvakanaka zvandakavimbisa kuti ndichakudzoserai kunzvimbo ino.

11. Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka.

12. Ipapo muchadana kwandiri uye muchauya kuzonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai.

13. Muchanditsvaka mukandiwana, pamunonditsvaka nemwoyo yenyu yose.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 29