Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 29:24-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Udza Shemaya muNeherami kuti,

25. “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Wakatumira matsamba muzita rako kuvanhu vose vomuJerusarema, kuna Zefania mwanakomana waMaaseya muprista, nokuna vamwe vaprista vose. Wakati kuna Zefania,

26. ‘Jehovha akakugadza kuva muprista panzvimbo yaJehoyadha kuti uve mutariri weimba yaJehovha; unofanira kuisa muchitokisi nomumangetani munhu upi zvake anopenga achiita somuprofita.

27. Saka wakaregererei kuranga Jeremia weAnatoti, anozviti muprofita pakati penyu?

28. Akatuma shoko iri kwatiri paBhabhironi, achiti: Zvichatora nguva yakareba. Naizvozvo zvivakirei dzimba mugogara; murime mapindu mugodya zvibereko zvawo.’ ”

29. Uye, Zefania muprista akaverengera muprofita Jeremia tsamba iyi.

30. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti,

31. “Tumira shoko iri kuvatapwa vose, uti, ‘Zvanzi naJehovha pamusoro paShemaya, muNeherami: Nokuda kwokuti Shemaya akuprofiterai, kunyange ini ndisina kumutuma, uye aita kuti mutende nhema,

32. zvanzi naJehovha: Zvirokwazvo ndicharanga Shemaya muNeherami nezvizvarwa zvake. Haangavi nomunhu achasara pakati pavanhu ava, kana kuona zvinhu zvakanaka zvandichaitira vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti akaparidza zvokundimukira.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 29