“Zvanzi naJehovha: Mira paruvazhe rweimba yaJehovha utaure kuvanhu vose vomumaguta eJudha vanouya kuzonamata muimba yaJehovha. Uvaudze zvose zvandinokurayira, usadarikira kana shoko rimwe chete,