Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 25:15-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha, Mwari waIsraeri, kwandiri: “Tora kubva muruoko rwangu mukombe uyu wakazara newaini yokutsamwa kwangu unwise ndudzi dzose dzandinokutuma kwadziri.

16. Kana vachinge vainwa vachadzedzereka nokupenga nokuda kwomunondo wandichatuma pakati pavo.”

17. Saka ndakatora mukombe muruoko rwaJehovha ndikaita kuti ndudzi dzose dzaakandituma kwadziri dzinwe:

18. Jerusarema namaguta eJudha, namadzimambo, namachinda aro, kuti aitwe matongo, chinhu chinovengwa nechinosekesa, nechinotukwa, sezvaakaita iye nhasi:

19. Faro mambo weIjipiti, navaranda vake, namachinda ake uye navanhu vake vose,

20. navatorwa vose variko; namadzimambo ose eUzi; namadzimambo ose eFiristia (navo veAshikerani, neGaza, neEkironi, navanhu vakasiyiwa kuAshidhodhi);

21. Edhomu neMoabhu neAmoni;

22. namadzimambo ose eTire neSidhoni; namadzimambo emuzviwi mhiri kwegungwa;

23. neDhedhani, neTema, neBhuzi navose vari kunzvimbo dziri kure;

24. madzimambo ose eArabhia namadzimambo ose enyika dzavatorwa vanogara mugwenga;

25. namadzimambo ose eZimuri, neEramu neFiristia,

26. namadzimambo ose okumusoro vepedyo nevokure, mumwe achitevera mumwe, ushe hwose huri pamusoro penyika. Shure kwaivava vose, mambo weSheshaki achazoinwawo.

27. “Ipapo uvaudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Inwai mudhakwe, murutse, muwe, uye murege kuzomukazve nokuda kwomunondo wandichatuma pakati penyu.’

28. Asi kana vakaramba kutora mukombe muruoko rwako kuti vamwe, uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: Munofanira kuinwa!

29. Tarirai, ndava kutanga kuuyisa njodzi pamusoro peguta rinodanwa neZita rangu, ko, imi mungarega kurangwa here? Hamungaregi kurangwa nokuti ndava kudana munondo pamusoro pavose vagere panyika, ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.’

30. “Zvino chiprofita mashoko aya ose pamusoro pavo uchiti, ‘Jehovha achaomba ari kumusoro; achatinhira ari pachigaro chake chitsvene nokuomba zvikuru pamusoro penyika yake. Achadanidzira sezvinoita vanotsika mazambiringa, achidanidzira pavose vagere panyika.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 25