Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 23:14-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Uye pakati pavaprofita veJerusarema ndakaona chimwe chinhu chinonyangadza: Vanoita upombwe uye vanoreva nhema. Vanosimbisa maoko evaiti vezvakaipa, zvokuti hakuna anodzoka pazvakaipa zvake. Vose vakaita seSodhomu kwandiri; vanhu veJerusarema vakaita seGomora.”

15. Naizvozvo, zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, pamusoro pavaprofita, “Ndichaita kuti vadye kudya kunovava, uye kuti vanwe mvura ine muchetura, nokuti zvichibva nokumuprofita weJerusarema, kushaya umwari kwapararira panyika yose.”

16. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Regai kuteerera zvamunoprofitirwa navaprofita; vanokuzadzai netariro dzenhema. Vanotaura zviratidzo zvinobva pandangariro dzavo, zvisingabvi mumuromo maJehovha.

17. Vanoramba vachiti kuna avo vanondizvidza, ‘Jehovha anoti: Muchava norugare.’ Uye kuna vaya vose vanotevera kusindimara kwemwoyo yavo, vanoti, ‘Hakuna chakaipa chichakuwirai.’

18. Asi ndiani pakati pavo akamira parangano yaJehovha, kuti aone kana kunzwa shoko rake? Ndiani akateerera akanzwa shoko rake?

19. Tarirai, dutu raJehovha richaputika nehasha, chamupupuri chichimonera pamisoro yavakaipa.

20. Kutsamwa kwaJehovha hakungadzoki, kusvikira apedza zvinovavarirwa nomwoyo wake. Pamazuva achauya muchazvinzwisisa zvakanyatsojeka.

21. Handina kutuma vaprofita ava, kunyange zvakadaro vakamhanya neshoko ravo; ini handina kutaura navo, kunyange zvakadaro vakaprofita.

22. Asi dai vakamira parangano yangu, vangadai vakaparidza mashoko angu kuvanhu vangu, uye vangadai vakavadzora panzira dzavo dzakaipa, napamabasa avo akaipa.

23. “Ko, ini ndinongori Mwari ari pedyo here,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndisati ndiri Mwari ari kure?

24. Pano munhu angavanda, panzvimbo dzakavanzika zvokuti handingamuoni here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handizadzi denga nenyika here?” ndizvo zvinotaura Jehovha.

25. “Ndakanzwa zvakataurwa navaprofita vanoprofita nhema muzita rangu. Vanoti, ‘Ndakarota! Ndakarota!’

26. Ko, izvi zvicharamba zviri mumwoyo yavaprofita venhema ava kusvikira rinhi ivo vanoprofita zvokunyengera kwendangariro dzavo?

27. Vanofunga kuti zviroto zvavanoudzana zvichaita kuti vanhu vangu vakanganwe zita rangu sezvakaita madzibaba avo akakanganwa zita rangu nokuda kwokunamata Bhaari.

28. Muprofita ane chiroto ngaataure kurota kwake, asi ane shoko rangu ngaataure nokutendeka. Nokuti mashanga ane basa rei pazviyo?” ndizvo zvinotaura Jehovha.

29. “Shoko rangu harina kufanana nomoto here,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye nenyundo inoputsanya dombo?”

30. “Naizvozvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handina ukama navaprofita vanobirana mashoko anofungidzirwa kuti anobva kwandiri.

31. “Hongu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handina ukama navaprofita vanoshandisa ndimi dzavo vachiti, ‘Jehovha ari kutaura.’

32. Zvirokwazvo handina ukama neavo vanoprofita zviroto zvenhema,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vanovaudza uye vanotsausa vanhu vangu nenhema dzavo dzisina maturo, asi handina kuvatuma kana kuvagadza. Havambobatsiri vanhu ava napaduku pose,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

33. “Pamunobvunzwa navanhu ava, vaprofita kana vaprista, vachiti, ‘Chirevo ichi chaJehovha ndecheiko?’ uti kwavari, ‘Chirevo cheiko? Ndichakurasai, ndizvo zvinotaura Jehovha.’

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 23