Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 23:10-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Nyika izere nemhombwe; nyika yaoma nokuda kwokutukwa uye mafuro omugwenga aoma. Vaprofita votevera nzira yakaipa uye vanoshandisa simba ravo nokusarurama.

11. “Muprofita nomuprista vose havana umwari; kunyange mutemberi yangu ndinowana kuipa kwavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

12. Naizvozvo nzira yavo ichatsvedza; vachadzingirwa kurima uye ikoko ndiko kwavachawira. Ndichauyisa njodzi pamusoro pavo pagore ravacharangwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

13. “Pakati pavaprofita veSamaria ndakaona chinhu chinonyangadza ichi: Vakaprofita naBhaari, uye akatungamirira vanhu vangu vaIsraeri pakurasika.

14. Uye pakati pavaprofita veJerusarema ndakaona chimwe chinhu chinonyangadza: Vanoita upombwe uye vanoreva nhema. Vanosimbisa maoko evaiti vezvakaipa, zvokuti hakuna anodzoka pazvakaipa zvake. Vose vakaita seSodhomu kwandiri; vanhu veJerusarema vakaita seGomora.”

15. Naizvozvo, zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, pamusoro pavaprofita, “Ndichaita kuti vadye kudya kunovava, uye kuti vanwe mvura ine muchetura, nokuti zvichibva nokumuprofita weJerusarema, kushaya umwari kwapararira panyika yose.”

16. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Regai kuteerera zvamunoprofitirwa navaprofita; vanokuzadzai netariro dzenhema. Vanotaura zviratidzo zvinobva pandangariro dzavo, zvisingabvi mumuromo maJehovha.

17. Vanoramba vachiti kuna avo vanondizvidza, ‘Jehovha anoti: Muchava norugare.’ Uye kuna vaya vose vanotevera kusindimara kwemwoyo yavo, vanoti, ‘Hakuna chakaipa chichakuwirai.’

18. Asi ndiani pakati pavo akamira parangano yaJehovha, kuti aone kana kunzwa shoko rake? Ndiani akateerera akanzwa shoko rake?

19. Tarirai, dutu raJehovha richaputika nehasha, chamupupuri chichimonera pamisoro yavakaipa.

20. Kutsamwa kwaJehovha hakungadzoki, kusvikira apedza zvinovavarirwa nomwoyo wake. Pamazuva achauya muchazvinzwisisa zvakanyatsojeka.

21. Handina kutuma vaprofita ava, kunyange zvakadaro vakamhanya neshoko ravo; ini handina kutaura navo, kunyange zvakadaro vakaprofita.

22. Asi dai vakamira parangano yangu, vangadai vakaparidza mashoko angu kuvanhu vangu, uye vangadai vakavadzora panzira dzavo dzakaipa, napamabasa avo akaipa.

23. “Ko, ini ndinongori Mwari ari pedyo here,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndisati ndiri Mwari ari kure?

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 23