Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 22:7-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Ndichatumira vaparadzi pamusoro penyu, mumwe nomumwe nezvombo zvake, vachatema matanda enyu emisidhari akanaka vagoakanda mumoto.

8. “Marudzi mazhinji avanhu achapfuura nepaguta rino uye vachabvunzana vachiti, ‘Jehovha aitireiko chinhu chakadai kuguta rino?’

9. Zvino mhinduro ichati, ‘Nokuti vakasiya sungano yaJehovha Mwari wavo vakanamata Uye vakashumira vamwe vamwari.’ ”

10. Musachema mambo akafa kana kumuungudzira; asi muchemere kwazvo uyo akatapwa, nokuti haachambodzoki kana kuzoonazve nyika yaakaberekerwa.

11. Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro paSharumi mwanakomana waJosia, uyo akatevera Baba vake samambo weJudha asi akabva panzvimbo ino, “Haazombodzoki.

12. Achafira munzvimbo yavakamuendesa muutapwa; haachazombooni nyika inozve.”

13. “Ane nhamo uyo anovaka muzinda wake nokusarurama, namakamuri ake okumusoro nokusaruramisira, anoshandisa vanhu vokwake pasina chaanovapa, asingavaripiri pakushanda kwavo.

14. Iye anoti, ‘Ndichazvivakira muzinda wakakura una makamuri okumusoro anoyevedza.’ Saka anoita mawindo makuru mairi, achiabatanidza nomusidhari, agoashongedza nezvitsvuku.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 22