Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 22:18-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Naizvozvo zvanzi naJehovha, pamusoro paJehoyakimi mwanakomana waJosia, mambo weJudha, “Havangamuchemi vachiti, ‘Yowe-e, munun'una wangu! Yowe-e, hanzvadzi yangu!’ Havangamuchemi vachiti, ‘Yowe-e, tenzi wangu! Yowe-e, ukuru hwake!’

19. Iye achavigwa sokuvigwa kunoitwa mbongoro, achakwekweredzwa agoraswa kure, kunze kwamasuo eJerusarema.”

20. “Kwirai kuRebhanoni mudanidzire, inzwi renyu ngarinzwike paBhabhironi, danidzirai kubva paAbharimi, nokuti shamwari dzenyu dzose dzaparadzwa.

21. Ndakakuyambira uchigere zvakanaka, asi iwe wakati, ‘Handidi kuteerera!’ Ndiyo yanga iri nzira yako kubva pauduku hwako; hauna kunditeerera.

22. Mhepo ichadzingira kure vafudzi vako vose, uye shamwari dzako dzichaenda kuutapwa. Ipapo iwe uchanyara uye uchanyadziswa, nokuda kwokuipa kwako kwose.

23. Imi mugere mu‘Rebhanoni,’ iyemi makavakirwa matendere mudzimba dzemisidhari, muchagomera sei kurwadza pakuchauya pamusoro penyu, kurwadziwa sekwomukadzi anosununguka!

24. “Zvirokwazvo, noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kunyange kana iwe Jehoyakini mwanakomana waJehoyakimi mambo weJudha, wakanga uri mhete muruoko rwangu rworudyi, ndaingokubvisa zvakadaro.

25. Ndichakuisa mumaoko aavo vanotsvaka kukuuraya, ivo vaunotya, kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi nokuvaBhabhironi.

26. Ndichapotsera iwe namai vakakubereka kune imwe nyika kwamusina kuberekerwa, uye ikoko kwamuchandofira muri vaviri.

27. Hamuzombodzokizve kunyika yamunoshuva kudzokera kwairi.”

28. Ko, murume uyu Jehoyakini munhu akazvidzika, ihari yakaputsika, chinhu chisina angada here? Seiko iye navana vake vapotserwa kunze, vakarasirwa munyika yavasingazivi?

29. Iwe nyika, nyika, nyika, Inzwa shoko raJehovha!

30. Zvanzi naJehovha, “Nyora munhu uyu seasina mwana, munhu asingazofari pamazuva oupenyu hwake, nokuti hakuna mwana wake achafara, hakuna achagara pachigaro choushe chaDhavhidhi, kana kutongazve maJudha.”

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 22