Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 22:11-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro paSharumi mwanakomana waJosia, uyo akatevera Baba vake samambo weJudha asi akabva panzvimbo ino, “Haazombodzoki.

12. Achafira munzvimbo yavakamuendesa muutapwa; haachazombooni nyika inozve.”

13. “Ane nhamo uyo anovaka muzinda wake nokusarurama, namakamuri ake okumusoro nokusaruramisira, anoshandisa vanhu vokwake pasina chaanovapa, asingavaripiri pakushanda kwavo.

14. Iye anoti, ‘Ndichazvivakira muzinda wakakura una makamuri okumusoro anoyevedza.’ Saka anoita mawindo makuru mairi, achiabatanidza nomusidhari, agoashongedza nezvitsvuku.

15. “Izvozvo zvinokuita mambo here, kuva nemisidhari yakawandawanda? Ko, baba vako havana kuwana zvokudya nezvokunwa here? Iye akaita zvakarurama uye nokururamisira, saka zvose zvakamufambira zvakanaka.

16. Akatongera varombo nevaishayiwa mhaka dzavo, nokudaro zvose zvakafamba zvakanaka. Hazvisizvo zvinoreva kundiziva here?” ndizvo zvinotaura Jehovha.

17. “Asi meso enyu nemwoyo yenyu zvakangotarisa chete papfuma isakarurama, pakuteura ropa risina mhosva napakumanikidza nokuita nechisimba.”

18. Naizvozvo zvanzi naJehovha, pamusoro paJehoyakimi mwanakomana waJosia, mambo weJudha, “Havangamuchemi vachiti, ‘Yowe-e, munun'una wangu! Yowe-e, hanzvadzi yangu!’ Havangamuchemi vachiti, ‘Yowe-e, tenzi wangu! Yowe-e, ukuru hwake!’

19. Iye achavigwa sokuvigwa kunoitwa mbongoro, achakwekweredzwa agoraswa kure, kunze kwamasuo eJerusarema.”

20. “Kwirai kuRebhanoni mudanidzire, inzwi renyu ngarinzwike paBhabhironi, danidzirai kubva paAbharimi, nokuti shamwari dzenyu dzose dzaparadzwa.

21. Ndakakuyambira uchigere zvakanaka, asi iwe wakati, ‘Handidi kuteerera!’ Ndiyo yanga iri nzira yako kubva pauduku hwako; hauna kunditeerera.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 22