Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 20:10-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Ndinonzwa vazhinji vachizevezera vachiti, “Zvinotyisa kumativi ose! Mureverei! Ngatimureverei!” Shamwari dzangu dzose dzakarindira kutedzemuka kwangu, dzichiti, “Zvimwe achanyengererwa; ipapo tigomukunda tigozvitsiva paari.”

11. Asi Jehovha aneni semhare ine simba; saka vatambudzi vangu vachagumburwa, uye havangakundi. Vachakundikana uye vachanyadziswa kwazvo; kusakudzwa kwavo hakungatongokanganwikwi.

12. Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, iyemi munoedza vakarurama nokunzvera mwoyo nendangariro, ngandione kutsiva kwenyu pamusoro pavo, nokuti ndaisa mhaka yangu kwamuri.

13. Imbirai Jehovha! Ipai rumbidzo kuna Jehovha! Iye anorwira upenyu hwavanoshayiwa kubva mumaoko avakaipa.

14. Ngaritukwe zuva randakaberekwa! zuva randakaberekwa namai vangu ngarirege kuropafadzwa!

15. Ngaatukwe munhu akazivisa baba vangu shoko, iye akaita kuti vafare kwazvo, achiti, “Waberekerwa mwana, iye mwanakomana!”

16. Munhu uyo ngaave semaguta akaparadzwa naJehovha asingazvidembi, Ngaanzwe kuungudza mangwanani, nokuchema kwehondo masikati.

17. Nokuti haana kundiuraya ndiri mudumbu, mai vangu vangadai vari guva rangu, vairamba vane mimba.

18. Ndakambobudireiko mudumbu kuti ndione nhamo nokuchema nokugumisa mazuva angu mukunyadziswa?

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 20