Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 2:7-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Ndakakupinzai munyika yakaorera kuti mudye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo. Asi makasvika mukasvibisa nyika yangu, mukaita nhaka yangu kuti ive chinhu chinonyangadza.

8. Vaprista havana kubvunza kuti, ‘Jehovha aripiko?’ Vakanga vachifambisa murayiro havana kundiziva; vatungamiriri vakandimukira. Vaprofita vakaprofita naBhaari, vachitevera zvifananidzo zvisina maturo.

9. “Naizvozvo ndinokupai mhosva zvakare,”ndizvo zvinotaura Jehovha.“Ndichapazve mhosva vana vavana venyu.

10. Yambukirai kumiganhu yeKitimi muone, tumai vanhu kuKedhari mugonyatsocherechedza; muone kana pakambova nechimwe chinhu chakadai:

11. Ko, rudzi rwakambotsinhanisa vamwari varwo here? Uye havasi vamwari zvachose. Asi vanhu vangu vakatsinhanhisa kukudzwa kwavo nezvifananidzo zvisina maturo.

12. Haiwa, imi matenga, shamiswai nechinhu ichi, uye mudedere nokutya kukuru,”ndizvo zvinotaura Jehovha.

13. Vanhu vangu vakaita zvakaipa zviviri: Vakandisiya ini, tsime remvura mhenyu, vakazvicherera zvirongo zvisingachengeti mvura.

14. Ko, Israeri muranda here, kana nhapwa pakuberekwa? Nemhaka yeiko apambwa zvino?

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 2