Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 19:10-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. “Ipapo uputse chirongo vaya vanoenda newe vakatarisa,

11. ugoti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose: Ndichaputsa rudzi urwu neguta rino sokuputsika kwechirongo chemuumbi wehari uye hachingagoni kugadzirwazve. Vachaviga vakafa muTofeti kusvikira pasisina nzvimbo.

12. Izvi ndizvo zvandichaitira nzvimbo ino nokuna vose vanogara muno, ndizvo zvinotaura Jehovha. Ndichaita guta rino seTofeti.

13. Dzimba dziri muJerusarema nedzamadzimambo eJudha dzichasvibiswa senzvimbo ino, Tofeti, dzimba dzose dzaivaipisira zvinonhuwira pamatenga adzo vachipisira hondo dzenyeredzi dzose dzokudenga nokudururira vamwe vamwari zvipiriso zvokunwa.’ ”

14. Ipapo Jeremia akabva kuTofeti, kwaakanga atumwa naJehovha kundoprofita, akandomira muruvazhe rwetemberi yaJehovha ndokuti kuvanhu vose,

15. “Zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ‘Inzwai! Ndichauyisa pamusoro peguta rino nemisha yakaripoteredza, njodzi imwe neimwe yandakazivisa pamusoro paro, nokuti ivo vakaomesa mitsipa yavo vakaramba kunzwa mashoko angu.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 19