Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 17:12-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Chigaro choushe chinobwinya, chakanga chakakwira kubva pakutanga, ndiyo nzvimbo yedu tsvene.

13. Ini Jehovha, tariro yaIsraeri, vose vanokusiyai vachanyadziswa. Vose vanotsauka kwamuri vachanyorwa muvhu, nokuti vakasiya Jehovha, chitubu chemvura mhenyu.

14. Haiwa Jehovha, ndiporesei, ipapo ndichaporeswa; ndiponesei, ipapo ndichaponeswa, nokuti imi ndimi wandinorumbidza.

15. Vanogara vachiti kwandiri, “Shoko raJehovha riripiko? Ngarizadziswe iye zvino!”

16. Handina kutiza pakuva mufudzi wenyu; munoziva kuti handina kushora zuva rokupera kwetariro. Zvinobuda mumuromo mangu zviri pachena pamberi penyu.

17. Musava chinhu chinotyisa kwandiri; ndimi utiziro hwangu pazuva renjodzi.

18. Vatambudzi vangu ngavanyadziswe, asi ini ndidzivirirei pakunyadziswa; ngavavhunduswe ivo, asi ini ndidzivirirei pakuvhunduswa. Uyisai pamusoro pavo zuva renjodzi; vaparadzei nokuparadza kwakapetwa kaviri.

19. Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha kwandiri: “Enda undomira pasuo ravanhu, panopinda nokubuda namadzimambo eJudha; ugondomirazve pane mamwe masuo ose eJerusarema.

20. Uti kwavari, ‘Inzwai shoko raJehovha, imi madzimambo eJudha navanhu vose veJudha navose vanogara muJerusarema vanopinda napamasuo aya.

21. Zvanzi naJehovha: Zvichenjererei kuti murege kutakura mutoro nomusi weSabata kana kuupinza napasuo reJerusarema.

22. Musabudisa mitoro mudzimba dzenyu kana kuita basa ripi neripi pazuva reSabata, asi chengetai zuva reSabata rive dzvene, sezvandakarayira madzitateguru enyu.

23. Asi havana kunzwa kana kurereka nzeve dzavo; vakava nemitsipa mikukutu uye havana kumboteerera kana kugamuchira kurayirwa.

24. Asi kana mukachenjerera kuti munditeerere, ndizvo zvinotaura Jehovha, mukasauya nemitoro napamasuo eguta iri nomusi weSabata, asi muchichengeta zuva reSabata kuti rive dzvene nokusaita basa ripi neripi pazuva iroro,

25. ipapo madzimambo anogara pachigaro choushe chaDhavhidhi vachauya napamasuo eguta namachinda avo. Ivo namachinda avo vachauya vakakwira ngoro namabhiza, vachiperekedzwa navarume veJudha navose vanogara muJerusarema, uye guta rino richagarwa nokusingaperi.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 17