Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 16:7-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Hakuna munhu achavapa chokudya kuti vanyarare pakuchema kwavo vakafa, hakuna kunyange baba chaivo kana mai, hakuna kana achavapa mvura yokunwa chaiyo kuti vanyarare.

8. “Newe usapinda muimba inoitirwa mutambo kundogara pasi uchidya nokunwa.

9. Nokuti zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Ndichagumisa panzvimbo ino, muchizviona pamazuva enyu, mheremhere yokupembera nenzwi romufaro uye nenzwi romwenga nerechikomba.

10. “Paunovaudza vanhu ava izvi zvose ivo vakakubvunza vachiti ‘Jehovha aisireiko kwatiri chirevo chenjodzi yakakura kudai? Chakaipa chatakaita ndecheiko? Chivi chedu ndecheiko? Chivi chedu ndecheiko chatakatadzira Jehovha Mwari wedu?’

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 16