Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 16:5-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Nokuti zvanzi naJehovha, “Usapinda muimba mune zvokudya zvamariro: usaenda kundochema kana kuvanzwira tsitsi, nokuti ndabvisa maropafadzo norudo rwangu uye ngoni dzangu pavanhu ava,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

6. “Vose, vakuru navaduku vachafa munyika ino. Havangavigwi kana kuchemwa, uye hakuna munhu achazvicheka kana kuveura musoro wake nokuda kwavo.

7. Hakuna munhu achavapa chokudya kuti vanyarare pakuchema kwavo vakafa, hakuna kunyange baba chaivo kana mai, hakuna kana achavapa mvura yokunwa chaiyo kuti vanyarare.

8. “Newe usapinda muimba inoitirwa mutambo kundogara pasi uchidya nokunwa.

9. Nokuti zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Ndichagumisa panzvimbo ino, muchizviona pamazuva enyu, mheremhere yokupembera nenzwi romufaro uye nenzwi romwenga nerechikomba.

10. “Paunovaudza vanhu ava izvi zvose ivo vakakubvunza vachiti ‘Jehovha aisireiko kwatiri chirevo chenjodzi yakakura kudai? Chakaipa chatakaita ndecheiko? Chivi chedu ndecheiko? Chivi chedu ndecheiko chatakatadzira Jehovha Mwari wedu?’

11. Ipapo uti kwavari, nemhaka yokuti madzibaba enyu akandisiya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘vakatevera vamwe vamwari ndokuvashumira nokuvanamata. Vakandisiya ini uye havana kuchengeta mirayiro yangu.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 16