Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 16:16-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. “Asi zvino ndichavatumira varedzi vehove vazhinji,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “vagozovabata. Mushure maizvozvo ndichatumira vavhimi vazhinji, vachavavhima pamusoro pegomo roga roga napamusoro pechikomo choga choga uye nomumapako amatombo.

17. Meso angu ari pamusoro penzira dzavo dzose; hadzina kuvanzika kwandiri, uye chivi chavo hachina kuvanzika pameso angu.

18. Ndichatsiva zvakaipa zvavo nechivi chavo, zvakapetwa kaviri, nokuti vakasvibisa nyika yangu nezvitunha zvezvifananidzo zvavo zvisina maturo, uye vakazadza nhaka yangu nezvifananidzo zvavo zvinonyangadza.”

19. Imi Jehovha, simba rangu nenhare yangu, utiziro hwangu munguva yokutambudzika, ndudzi dzichauya kwamuri dzichibva kumagumo enyika, dzichiti, “Madzibaba edu akanga asina chaanacho asi vamwari venhema bedzi, izvo zvifananidzo zvisingabatsiri zvisina chakanaka chazvakavaitira.

20. Ko, vanhu vanozviitira vamwari vavo here? Hongu, asi havasi vamwari!”

21. “Naizvozvo ndichavadzidzisa, nguva ino ndichavadzidzisa simba rangu noukuru hwangu. Ipapo vachaziva kuti zita rangu ndiJehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 16