Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 16:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2. “Haufaniri kuwana mukadzi kana kuva navanakomana kana vanasikana panzvimbo ino.”

3. Nokuti zvanzi naJehovha, pamusoro pavanakomana navanasikana vanoberekwa munyika ino napamusoro pavakadzi vanova vanamai vavo navarume vanova madzibaba avo,

4. “Vachafa nehasha dzakaipisisa. Havangazochemwi kana kuvigwa asi vachafanana nomupfudze uri pamusoro penyika. Vachaparara nomunondo nenzara, uye zvitunha zvavo zvichava zvokudya zveshiri dzedenga nemhuka dzepanyika.”

5. Nokuti zvanzi naJehovha, “Usapinda muimba mune zvokudya zvamariro: usaenda kundochema kana kuvanzwira tsitsi, nokuti ndabvisa maropafadzo norudo rwangu uye ngoni dzangu pavanhu ava,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

6. “Vose, vakuru navaduku vachafa munyika ino. Havangavigwi kana kuchemwa, uye hakuna munhu achazvicheka kana kuveura musoro wake nokuda kwavo.

7. Hakuna munhu achavapa chokudya kuti vanyarare pakuchema kwavo vakafa, hakuna kunyange baba chaivo kana mai, hakuna kana achavapa mvura yokunwa chaiyo kuti vanyarare.

8. “Newe usapinda muimba inoitirwa mutambo kundogara pasi uchidya nokunwa.

9. Nokuti zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Ndichagumisa panzvimbo ino, muchizviona pamazuva enyu, mheremhere yokupembera nenzwi romufaro uye nenzwi romwenga nerechikomba.

10. “Paunovaudza vanhu ava izvi zvose ivo vakakubvunza vachiti ‘Jehovha aisireiko kwatiri chirevo chenjodzi yakakura kudai? Chakaipa chatakaita ndecheiko? Chivi chedu ndecheiko? Chivi chedu ndecheiko chatakatadzira Jehovha Mwari wedu?’

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 16