Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 13:6-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Mazuva mazhinji akati apfuura Jehovha akati kwandiri, “Chienda zvino kuPerati undotora bhanhire randakati uvigeko.”

7. Naizvozvo ndakaenda kuPerati ndokufukunura bhanhire ndokuritora, uye risingachabatsiri zvachose.

8. Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,

9. “Zvanzi naJehovha, ‘Nenzira imwe cheteyo ndichaodza kuzvikudza kweJudha nokuzvikudza kukuru kweJerusarema.

10. Vanhu ava vakaipa, vanoramba kunzwa mashoko angu, vanotevera kusindimara kwemwoyo yavo uye vanoenda kuna vamwe vamwari kuti vavashumire nokuvanamata, vachafanana nebhanhire iri, risingabatsiri chose!

11. Nokuti sebhanhire rinosungwa muchiuno saizvozvo ndakasungira imba yose yaIsraeri neimba yose yaJudha kwandiri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kuti vave vanhu vembiri yangu nokurumbidzwa kwangu nokukudzwa kwangu. Asi havana kuteerera.’

12. “Uti kwavari, Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Hombodo imwe neimwe yedehwe yewaini inofanira kuzadzwa newaini.’ Zvino kana vakati kwauri, ‘Ko, isu hatizivi here kuti hombodo imwe neimwe yedehwe yewaini inofanira kuzadzwa newaini?’

13. ipapo uvaudze kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndichazadza nokudhakisa vose vanogara munyika ino, pamwe chete namadzimambo anogara pachigaro choushe chaDhavhidhi, navaprista navaprofita navose vanogara muJerusarema.

14. Ndichavabonderedza mumwe kuno mumwe, madzibaba navanakomana saizvozvo, ndizvo zvinotaura Jehovha. Handingabvumiri tsitsi kana ngoni dzangu kuti zvindidzivise kuvaparadza.’ ”

15. Inzwai, rerekai nenzeve dzenyu kwandiri, musazvikudza, nokuti Jehovha ataura.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 13