Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 13:5-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Saka ndakaenda ndikandoriviga paPerati sezvandakaudzwa naJehovha.

6. Mazuva mazhinji akati apfuura Jehovha akati kwandiri, “Chienda zvino kuPerati undotora bhanhire randakati uvigeko.”

7. Naizvozvo ndakaenda kuPerati ndokufukunura bhanhire ndokuritora, uye risingachabatsiri zvachose.

8. Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,

9. “Zvanzi naJehovha, ‘Nenzira imwe cheteyo ndichaodza kuzvikudza kweJudha nokuzvikudza kukuru kweJerusarema.

10. Vanhu ava vakaipa, vanoramba kunzwa mashoko angu, vanotevera kusindimara kwemwoyo yavo uye vanoenda kuna vamwe vamwari kuti vavashumire nokuvanamata, vachafanana nebhanhire iri, risingabatsiri chose!

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 13