Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 13:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvakanzi naJehovha kwandiri, “Enda undotenga bhanhire romucheka urisunge muchiuno chako, asi usarege richipinda mvura,”

2. Saka ndakatenga bhanhire, sezvandakarayirwa naJehovha, ndokurisunga muchiuno changu.

3. Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri kechipiri richiti,

4. “Tora bhanhire rawakatenga uye rawakasunga muchiuno chako uende iye zvino kuPerati undoriviga ikoko mumukaha wamatombo.”

5. Saka ndakaenda ndikandoriviga paPerati sezvandakaudzwa naJehovha.

6. Mazuva mazhinji akati apfuura Jehovha akati kwandiri, “Chienda zvino kuPerati undotora bhanhire randakati uvigeko.”

7. Naizvozvo ndakaenda kuPerati ndokufukunura bhanhire ndokuritora, uye risingachabatsiri zvachose.

8. Ipapo shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 13