Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 12:5-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Kana wakaita nhangemutange navanhu netsoka, uye vakakunetesa ungagokwikwidzana sei namabhiza? Kana uchigumburwa panyika yakanaka, ungagara seiko mumatenhere eJorodhani?

6. Hama dzako, mhuri yako chaiyo, kunyange naivowo vakakumukira; vakadanidzira zvikuru kwazvo pamusoro pako. Usavimba navo, kunyange vachitaura zvakanaka pamusoro pako.

7. “Ndichasiya imba yangu, ndigorasa nhaka yangu; ndichapisa mudikani wangu mumaoko avavengi vake.

8. Nhaka yangu yava kwandiri seshumba iri musango. Anoomba pamberi pangu; naizvozvo ndinomuvenga.

9. Ko, nhaka yangu haizova kwandiri segondo rina mavara here, iro rinokombwa nokurwiswa namamwe makondo? Endai munounganidza zvikara zvose; muuye nazvo zvidye.

10. Vafudzi vazhinji vachaparadza munda wangu womuzambiringa, uye vachatsindira munda wangu; vachashandura munda wangu unofadza kuti uve dongo risina chinhu.

11. Uchaitwa dongo rakaoma uye rakaparadzwa pamberi pangu; nyika yose ichava dongo nokuti hakuna ane hanya.

12. Pamusoro pezvikomo zvisina miti zviri mugwenga, vaparadzi vachamomotera, nokuti munondo waJehovha uchaparadza, kubva kuno rumwe rutivi rwenyika kusvikira kuno rumwe, hakuna achava norugare.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 12