Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 12:12-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Pamusoro pezvikomo zvisina miti zviri mugwenga, vaparadzi vachamomotera, nokuti munondo waJehovha uchaparadza, kubva kuno rumwe rutivi rwenyika kusvikira kuno rumwe, hakuna achava norugare.

13. Vachadyara gorosi asi vachakohwa minzwa; vachazvinetesa asi hakuna chavachawana. Saka zvitakurirei njodzi dzegohwo renyu, nokuda kwokutsamwa kunotyisa kwaJehovha.”

14. Zvanzi naJehovha, “Kana vari vakaipa vakavakidzana nemi vanopamba nhaka yandakapa vanhu vangu vaIsraeri ndichavadzura munyika dzavo uye ndichadzura imba yaJudha kubva pakati pavo.

15. Asi mushure mokuvadzura, ndichavanzwirazve tsitsi uye ndichadzosa mumwe nomumwe wavo kunhaka yake nokunyika yake.

16. Zvino kana vadzidza zvakanaka nzira dzavanhu vangu nokupika nezita rangu, vachiti, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, kunyange havo vakambodzidzisa vanhu vangu kupika naBhaari, ipapo vachasimbiswa pakati pavanhu vangu.

17. Asi kana pano rudzi rusingateereri, ndicharudzura zvachose nokuruparadza,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 12