Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 10:7-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Ndianiko angarega kukutyai, imi Mambo wendudzi? Izvi ndizvo zvakakufanirai Pakati pavakachenjera vose vendudzi nomuushe hwavo hwose, hakuna akafanana nemi.

8. Vose havana njere uye mapenzi; vanodzidziswa nezvifananidzo zvamatanda zvisingabatsiri.

9. Sirivha yakapfurwa inotorwa kubva kuTashishi negoridhe richibva kuUfazi. Zvakaitwa nemhizha uye nomupfuri wegoridhe, zvopfekedzwa zvino nguo dzomucheka webhuruu nowepepuru, zvose zvinoitwa navabati vano umhizha,

10. Asi Jehovha ndiye Mwari wechokwadi; Ndiye Mwari mupenyu, mambo wokusingaperi. Kana iye atsamwa, nyika inodedera; ndudzi hadzigoni kumira pamberi pehasha dzake.

11. “Muvaudze kuti, ‘Vamwari ava, vasina kuita matenga nenyika, vachaparara panyika nepasi pamatenga.’ ”

12. Asi Mwari akaita nyika nesimba rake, akateya nyika nouchenjeri hwake, uye akakutambanudza matenga nokunzwisisa kwake.

13. Paanotinhira, mvura zhinji iri mumatenga inoita mubvumo; anoita kuti makore asimuke kubva kumigumo yenyika. Anotuma mheni pamwe nemvura uye anouyisa mhepo kubva mumatura ake.

14. Mumwe nomumwe haafungi uye haana zivo; mupfuri mumwe nomumwe wegoridhe anonyadziswa nezvifananidzo zvake. Zvifananidzo zvake ndezvenhema; hazvina mweya mazviri.

15. Hazvina maturo, zvinhu zvinofanira kutukwa; kutongwa kwazvo pakunosvika, zvose zvichaparara.

16. Iye anenge ari mugove waJakobho haana kufanana nazvo, nokuti ndiye Muiti wezvinhu zvose, kusanganisa naIsraeri, rudzi rwenhaka yake, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake.

17. Unganidzai nhumbi dzenyu mubve munyika, imi makakombwa.

18. Nokuti zvanzi naJehovha, “Panguva ino ndichapotsera kure avo vanogara munyika ino; Ndichauyisa nhamo pamusoro pavo kuti vagotapwa.”

19. Ndine nhamo nokuda kwokukuvara kwangu! Ronda rangu harirapiki! Asi ndakazviti, “Uku kurwara ndokwangu, uye ndinofanira kukutakura.”

20. Tende rangu raparadzwa; mabote aro ose adamburwa. Vanakomana vangu vabva kwandiri uye havachipozve; hakuna asara zvino kuti amise tende rangu. kana kumisa dumba rangu.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 10