Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 10:5-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Sedukununu kumucheto womunda wamavise, zvifananidzo zvavo hazvigoni kutaura; zvinofanira kutotakurwa nokuti hazvigoni kufamba. Musazvitya; hazvigoni kukukuvadzai, uye hazvina nebasa rose.”

6. Hakuna akafanana nemi, imi Jehovha; muri mukuru, uye zita renyu iguru pasimba.

7. Ndianiko angarega kukutyai, imi Mambo wendudzi? Izvi ndizvo zvakakufanirai Pakati pavakachenjera vose vendudzi nomuushe hwavo hwose, hakuna akafanana nemi.

8. Vose havana njere uye mapenzi; vanodzidziswa nezvifananidzo zvamatanda zvisingabatsiri.

9. Sirivha yakapfurwa inotorwa kubva kuTashishi negoridhe richibva kuUfazi. Zvakaitwa nemhizha uye nomupfuri wegoridhe, zvopfekedzwa zvino nguo dzomucheka webhuruu nowepepuru, zvose zvinoitwa navabati vano umhizha,

10. Asi Jehovha ndiye Mwari wechokwadi; Ndiye Mwari mupenyu, mambo wokusingaperi. Kana iye atsamwa, nyika inodedera; ndudzi hadzigoni kumira pamberi pehasha dzake.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 10