Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 10:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Inzwai zvinoreva Jehovha kwamuri, imi imba yaIsraeri.

2. Zvanzi naJehovha, “Regai kudzidza tsika dzendudzi kana kuvhundutswa nezviratidzo zviri kudenga kunyange hazvo ndudzi dzichivhundutswa nazvo.

3. Nokuti tsika dzavanhu hadzina maturo; vanotema muti musango, muvezi ouveza nembezo.

4. Vanoushongedza nesirivha negoridhe; vanourovera nenyundo nezvipikiri kuti urege kuzungunuka.

5. Sedukununu kumucheto womunda wamavise, zvifananidzo zvavo hazvigoni kutaura; zvinofanira kutotakurwa nokuti hazvigoni kufamba. Musazvitya; hazvigoni kukukuvadzai, uye hazvina nebasa rose.”

6. Hakuna akafanana nemi, imi Jehovha; muri mukuru, uye zita renyu iguru pasimba.

7. Ndianiko angarega kukutyai, imi Mambo wendudzi? Izvi ndizvo zvakakufanirai Pakati pavakachenjera vose vendudzi nomuushe hwavo hwose, hakuna akafanana nemi.

8. Vose havana njere uye mapenzi; vanodzidziswa nezvifananidzo zvamatanda zvisingabatsiri.

9. Sirivha yakapfurwa inotorwa kubva kuTashishi negoridhe richibva kuUfazi. Zvakaitwa nemhizha uye nomupfuri wegoridhe, zvopfekedzwa zvino nguo dzomucheka webhuruu nowepepuru, zvose zvinoitwa navabati vano umhizha,

10. Asi Jehovha ndiye Mwari wechokwadi; Ndiye Mwari mupenyu, mambo wokusingaperi. Kana iye atsamwa, nyika inodedera; ndudzi hadzigoni kumira pamberi pehasha dzake.

11. “Muvaudze kuti, ‘Vamwari ava, vasina kuita matenga nenyika, vachaparara panyika nepasi pamatenga.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 10