Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 1:8-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Usavatya, nokuti ini ndinewe uye ndichakurwira,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

9. Ipapo Jehovha akatambanudza ruoko rwake akabata muromo wangu akati kwandiri, “Zvino ndaisa mashoko angu mumuromo mako.

10. Tarira, nhasi ndakugadza pamusoro pendudzi napamusoro poushe kuti udzure nokubvarura, nokuparadza, nokukoromora, nokuvaka uye nokusima.”

11. Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti, “Jeremia, uri kuonei?” Ndakapindura ndikati, “Ndiri kuona davi romuti womuarimondi.”

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 1