Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 1:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mashoko aJeremia mwanakomana waHirikia, mumwe wavaprista paAnatoti munyika yaBhenjamini.

2. Shoko raJehovha rakauya kwaari mugore regumi namatatu rokutonga kwaJosia mwanakomana waAmoni mambo weJudha,

3. uye nomunguva yokutonga kwaJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, kusvikira pamwedzi wechishanu wegore regumi nerimwe raZedhekia mwanakomana waJosia mambo weJudha, vanhu veJerusarema pavakazoenda kuutapwa.

4. Shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,

5. “Ndisati ndakuumba mudumbu ramai vako, ndakakuziva iwe, usati waberekwa, ndakakutsaura; ndakakugadza somuprofita kumarudzi.”

6. Ini ndikati, “Haiwa, Ishe Jehovha, handigoni kutaura; ndinongova mwana hangu.”

7. Asi Jehovha akati kwandiri, “Usati, ‘Ndinongova mwana hangu.’ Unofanira kuenda kuna ani naani wandinokutuma kwaari undotaura zvose zvandinokurayira.

8. Usavatya, nokuti ini ndinewe uye ndichakurwira,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

9. Ipapo Jehovha akatambanudza ruoko rwake akabata muromo wangu akati kwandiri, “Zvino ndaisa mashoko angu mumuromo mako.

10. Tarira, nhasi ndakugadza pamusoro pendudzi napamusoro poushe kuti udzure nokubvarura, nokuparadza, nokukoromora, nokuvaka uye nokusima.”

11. Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti, “Jeremia, uri kuonei?” Ndakapindura ndikati, “Ndiri kuona davi romuti womuarimondi.”

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 1