Zvino imba yaDhavhidhi yakaudzwa kuti, “Aramu yabatana neEfuremu;” saka mwoyo waAhazi nemwoyo yavanhu vake yakazungunuswa, sokuzungunuswa kunoitwa miti yesango nemhepo.