Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 7:18-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Pazuva iroro Jehovha acharidzira muridzo kunhunzi dzichibva kuhova dziri kure dzeIjipiti nokunyuchi dzichibva kunyika yeAsiria.

19. Dzichauya dzose dzigogara mumawere emipata nomumikaha yamatombo, nomumakwenzi ose eminzwa uye napamadziva ose.

20. Pazuva iro Jehovha achashandisa chisvo chakakumbirwa kubva mhiri kwoRwizi, kuna mambo weAsiria, kuti avevure misoro yenyu nemvere dzomumakumbo enyu, uye kuti abvisewo ndebvu dzenyu.

21. Pazuva iro, murume achapfuwa mhou duku imwe chete nembudzi mbiri.

22. Uye nokuda kwokuwanda kwomukaka wadzinopa, achadya ruomba. Vose vachasara munyika vachadya ruomba nouchi.

23. Pazuva iro munzvimbo imwe neimwe maimbova nemizambiringa inokwana chiuru yaitengwa namashekeri anokwana chiurua esirivha, pachazova norukato neminzwa chete.

24. Varume vachaendako neuta nemiseve, nokuti nyika ichange yafukidzwa norukato neminzwa.

25. Kana ari makomo ose aichimbosakurirwa nebadza, hakuna achada kuendako nokuda kwokutya rukato neminzwa; dzichava nzvimbo dzokusundira mombe nokunomhanyirwa namakwai.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 7