Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 7:12-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Asi Ahazi akati, “Handizokumbiri; handingaedzi Jehovha.”

13. Ipapo Isaya akati, “Inzwai zvino, imi imba yaDhavhidhi! Hazvina kuringana here kuedza mwoyo murefu wavanhu? Ko, imi muchaedzawo mwoyo murefu waMwari wangu here?

14. Naizvozvo Jehovha pachake achakupai chiratidzo: Mhandara ichava nemimba uye ichabereka mwanakomana igomutumidza kuti Imanueri.

15. Iye achadya ruomba nouchi paachaziva zvakakwana kuti arambe zvakaipa achisarudza zvakarurama.

16. Asi mwana asati anyatsoziva kuramba zvakaipa nokusarudza zvakanaka, nyika yamadzimambo maviri aunotya ichava dongo.

17. Jehovha achauyisa pamusoro pako napamusoro pavanhu vako napamusoro peimba yababa vako nguva isina kumbovapo kubva nguva iya yaakazvipatsanura kubva kuna Judha, achauyisa mambo weAsiria.”

18. Pazuva iroro Jehovha acharidzira muridzo kunhunzi dzichibva kuhova dziri kure dzeIjipiti nokunyuchi dzichibva kunyika yeAsiria.

19. Dzichauya dzose dzigogara mumawere emipata nomumikaha yamatombo, nomumakwenzi ose eminzwa uye napamadziva ose.

20. Pazuva iro Jehovha achashandisa chisvo chakakumbirwa kubva mhiri kwoRwizi, kuna mambo weAsiria, kuti avevure misoro yenyu nemvere dzomumakumbo enyu, uye kuti abvisewo ndebvu dzenyu.

21. Pazuva iro, murume achapfuwa mhou duku imwe chete nembudzi mbiri.

22. Uye nokuda kwokuwanda kwomukaka wadzinopa, achadya ruomba. Vose vachasara munyika vachadya ruomba nouchi.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 7