Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 66:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvanzi naJehovha, “Denga ndicho chigaro changu, uye nyika chitsiko chetsoka dzangu. Ko, iripi imba yamungandivakira? Nzvimbo yangu yokuzorora ichava kupiko?

2. Haruzi ruoko rwangu rwakaita izvozvi zvose here, nokudaro zvikavapo?”ndizvo zvinotaura Jehovha.“Munhu akadai ndiye wandichakudza: iye anozvininipisa uye ane mweya wakapwanyika, uye anodedera paanonzwa shoko rangu.

3. Asi ani naani anobayira hando anofanana nouyo anovhuna mutsipa wembwa; ani naani anoita chipiriso chezviyo anofanana nomunhu anopa ropa renguruve, uye ani naani anopisira zvinonhuwira zvokurangaridza, anofanana nounonamata chifananidzo. Vakasarudza nzira dzavo, uye mweya yavo inofarira zvinonyangadza zvavo;

4. naizvozvo neniwo ndichavasarudzira kuranga kuchavaomera, uye ndichauyisa pamusoro pavo izvo zvavanotya. Nokuti pandakadana, hapana akapindura pandakataura, hapana akateerera. Vakaita zvakaipa pamberi pangu vakasarudza zvakanga zvisingandifadzi.”

5. Inzwai shoko raJehovha, imi munodedera pamunonzwa shoko rake: “Hama dzenyu dzinokuvengai, uye dzinokutsaurai nokuda kwezita rangu, dzakati, ‘Jehovha ngaaratidze kukudzwa kwake, kuti tione mufaro wenyu!’ Asi ivo vachanyadziswa.

6. Inzwai maungira ebope anobva muguta, inzwai mheremhere inobva mutemberi! Ndiwo maungira aJehovha achiripira vavengi vake zvose zvavakakodzera.

7. “Asati arwadziwa nemimba, anosununguka; kurwadza kusati kwauya pamusoro pake, anosununguka mwanakomana.

8. Ndiani akambonzwa chinhu chakadai? Ndiani akamboona zvinhu zvakadai? Ko, nyika ingazvarwa pazuva rimwe here kana rudzi rungazvarwa pakarepo here? Kunyange zvakadaro, Zioni rakangoti kurwadziwa, pakarepo ndokubereka vana varo.

9. Ndingasvitsa panguva yokubereka ndikasaberekesa here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, ndingazarira chizvaro ndikasaberekesa here?” ndizvo zvinotaura Mwari wenyu.

10. “Pemberai pamwe chete neJerusarema uye mufarisise, imi mose munorinda; farisisai pamwe chete naro, imi mose munochema pamusoro paro.

11. Nokuti muchanwa mukaguta pamazamu ake anonyaradza; muchanwa zvikuru kwazvo muchafadzwa nezvakawanda zvake zvinopfachukira.”

12. Nokuti zvanzi naJehovha, “Ndichawedzera rugare kwaari sorwizi, uye upfumi hwendudzi sokudira kworukova; muchanwa uye muchatakurwa paruoko rwake, uye muchavaraidzwa pamabvi ake.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 66