Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 65:11-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. “Asi kana murimi munosiya Jehovha uye munokanganwa gomo rangu dzvene, munowaridzira Rombo Rakanaka tafura, uye munozadza zvirongo newaini yakavenganisirwa Magumo,

12. ndichakugumisai nomunondo, uye mose muchakotamira pasi kuti mubayiwe, nokuti ndakadana asi hamuna kudavira, ndakataura asi hamuna kuteerera. Makaita zvakaipa pamberi pangu mukasarudza zvisingandifadzi.”

13. Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha,“Varanda vangu vachadya, asi imi muchanzwa nzara; varanda vangu vachanwa, asi imi muchava nenyota; varanda vangu vachafara, asi imi muchanyadziswa.

14. Varanda vangu vachaimba mufaro wemwoyo yavo, asi imi muchachema nokurwadziwa nomwoyo uye muchaungudza mukuputsika kwomweya.

15. Muchasiyira zita renyu kuvasanangurwa vangu sechituko; Ishe Jehovha achakuurayai, asi achapa varanda vake rimwe zita.

16. Ani naani achati nyika iropafadzwe achazviita naMwari wechokwadi; ani naani achaita mhiko munyika achapika naMwari wechokwadi. Nokuti matambudziko akare achakanganwikwa, uye achavanzirwa meso angu.

17. “Tarirai, ndichasika matenga matsva nenyika itsva. Zvinhu zvakare hazvichazorangarirwi, kana kuuya mundangariro.

18. Asi farai mupembere nokusingaperi mune zvandichasika, nokuti ndichasika Jerusarema kuti rifadze uye kuti vanhu varo vave mufaro.

19. Ndichapembera pamusoro peJerusarema, uye ndichafarira vanhu vangu; maungira okuchema kana kurira haachazonzwikizve imomo.

20. “Mariri hamungazovizve nomucheche achararama mazuva mashoma shoma, kana mutana asingasvitsi makore ake okurarama; uyo anofa ane zana ramakore achangotorwa somujaya; uyo anotadza kusvika pazana ramakore achatorwa sowakatukwa.

21. Vachavaka dzimba vagogara madziri; vachadyara mazambiringa vagodya michero yawo.

22. Havachazovakizve dzimba dzinozogarwa, navamwe, kana kudyara vamwe vachizodya. Nokuti sezvakaita mazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vasanangurwa vangu vachafara kwenguva refu mumabasa amaoko avo.

23. Havachazobatiri pasina kana kubereka vana vanoparadzwa; nokuti vachava vanhu vakaropafadzwa naJehovha, ivo nezvizvarwa zvavo.

24. Vasati vadana ndichavapindura; vachiri kutaura ndichavanzwa.

25. Bumhi negwayana zvichafura pamwe chete, uye shumba ichadya uswa senzombe, asi guruva richava chokudya chenyoka. Hazvichazokuvadzi kana kuparadza pamusoro pegomo rangu dzvene rose,”ndizvo zvinotaura Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 65