Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 62:7-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. uye musamupa zororo kusvikira asimbisa Jerusarema, uye ariita rumbidzo yenyika.

8. Jehovha akapika noruoko rwake rworudyi, uye noruoko rwake rune simba achiti, “Handichazopizve zviyo zvenyu sezvokudya kuvavengi venyu, uye vatorwa havachozonwizve waini itsva yamakatamburira;

9. asi ivo vanokohwa ndivo vachadya uye vacharumbidza Jehovha, uye vaya vanounganidza mazimbiringa ndivo vachainwa mumavazhe eimba yangu tsvene.”

10. Pfuurai, pfuurai napamasuo! Gadzirirai vanhu nzira. Vakai, vakai mugwagwa mukuru! Bvisai mabwe. Simudzirai marudzi mureza.

11. Jehovha akaparidzira kumagumo enyika achiti, “Uti kuMwanasikana weZioni, ‘Tarira, Muponesi wako ouya! Tarira, mubayiro wake anawo, uye kuripira kwake kunomutevera.’ ”

12. Vachanzi Vanhu Vatsvene, Vakadzikinurwa vaJehovha; uye iwe uchanzi Mutsvakwa, iro Guta Risina Kuzova Dongo.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 62