Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 62:3-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Uchava korona yokubwinya muruoko rwaJehovha, ukomba hwoumambo muruoko rwaMwari.

4. Havachazokutizve Musiyiwa, kana kutumidza nyika yako kuti Dongo. Asi uchatumidzwa kuti Hefizibha uye nyika yako ichanzi Bhiyura; nokuti Jehovha achakufarira, uye nyika yako icharoorwa.

5. Sejaya zvarinowana mhandara, saizvozvo vanakomana vako vachakuwana; sechikomba chinofarira mwenga, saizvozvo Mwari wako achafara pamusoro pako.

6. Ndakagadza nharirire pamasvingo ako, iwe Jerusarema; havangambonyarari masikati kana usiku. Imi munodana kuna Jehovha, musazorora,

7. uye musamupa zororo kusvikira asimbisa Jerusarema, uye ariita rumbidzo yenyika.

8. Jehovha akapika noruoko rwake rworudyi, uye noruoko rwake rune simba achiti, “Handichazopizve zviyo zvenyu sezvokudya kuvavengi venyu, uye vatorwa havachozonwizve waini itsva yamakatamburira;

9. asi ivo vanokohwa ndivo vachadya uye vacharumbidza Jehovha, uye vaya vanounganidza mazimbiringa ndivo vachainwa mumavazhe eimba yangu tsvene.”

10. Pfuurai, pfuurai napamasuo! Gadzirirai vanhu nzira. Vakai, vakai mugwagwa mukuru! Bvisai mabwe. Simudzirai marudzi mureza.

11. Jehovha akaparidzira kumagumo enyika achiti, “Uti kuMwanasikana weZioni, ‘Tarira, Muponesi wako ouya! Tarira, mubayiro wake anawo, uye kuripira kwake kunomutevera.’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 62