1. Nokuda kweZioni handinganyarari, nokuda kweJerusarema handingarambi ndinyerere, kusvikira kururama kwake kwapenya samambakwedza, noruponeso rwake somwenje unopfuta.
2. Ndudzi dzichaona kururama kwako, namadzimambo ose achaona kubwinya kwako; iwe uchadaidzwa nezita idzva richataurwa nomuromo waJehovha.
3. Uchava korona yokubwinya muruoko rwaJehovha, ukomba hwoumambo muruoko rwaMwari.