Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 61 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Gore reNyasha dzaJehovha

1. Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu, nokuti Jehovha akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika, kuti ndiparidze kusunungurwa kwavakatapwa, nokubudiswa kwavasungwa kuti vabve murima,

2. kuti ndiparidze gore rengoni dzaJehovha uye nezuva rokutsiva kwaMwari wedu, kuti ndinyaradze vose vanochema,

3. uye ndiriritire avo vanochema muZioni, kuti ndiise pamusoro pavo korona yorunako pachinzvimbo chamadota, mafuta omufaro pachinzvimbo chokuchema, uye nenguo yokurumbidza pachinzvimbo chomweya wakarukutika. Vachanzi miouki yokururama, yakasimwa naJehovha kuti aratidze kubwinya kwake.

4. Vachavakazve matongo akare uye vachamutsazve nzvimbo dzakaparadzwa kare; vachavandudza matongo amaguta akaparadzwa kwamarudzi namarudzi akapfuura.

5. Vatorwa vachafudza mapoka amakwai enyu; vatorwa vachashanda muminda yenyu nomuminda yenyu yemizambiringa.

6. Ipapo imi muchanzi vaprista vaJehovha, muchanzi vashumiri vaMwari. Muchadya pfuma yendudzi, uye muchazvirumbidza nepfuma yavo.

7. Pachinzvimbo chokunyadziswa kwavo vanhu vangu vachagamuchira migove miviri, uye pachinzvimbo chokunyadziswa vachafara munhaka yavo; nokudaro vachagara nhaka yemigove miviri munyika yavo, uye mufaro usingaperi uchava wavo.

8. “Nokuti ini, Jehovha, ndinoda kururamisira; ndinovenga kupamba nezvakaipa. Mukutendeka kwangu, ndichavapa mubayiro uye ndichaita sungano isingaperi navo.

9. Zvizvarwa zvavo zvichazivikanwa pakati pendudzi navana vavo pakati pamarudzi. Vose vanovaona vachaziva kuti vanhu vakaropafadzwa naJehovha.”

10. Ndinofara zvikuru muna Jehovha; mweya wangu unofara muna Mwari. Nokuti akandifukidza nenguo dzoruponeso, uye akandishongedza nenguo yokururama, sechikomba chinoshongedza musoro wacho somuprista, uye somwenga anozvishongedza nezvishongo zvamatombo anokosha.

11. Nokuti ivhu sezvarinomeresa mbeu, nebindu richiita kuti mbeu dzikure, saizvozvo Ishe Jehovha achaita kuti kururama nerumbidzo zvimere pamberi pendudzi dzose.