Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 60:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Simuka, upenye nokuti chiedza chako chasvika, uye kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako.

2. Tarira, rima rakafukidza nyika uye rima guru riri pamusoro pavanhu, asi Jehovha anobuda pamusoro pako uye kubwinya kwake kunoratidzwa pamusoro pako.

3. Ndudzi dzichauya kuchiedza chako, uye madzimambo kukubwinya kwamambakwedza ako.

4. “Simudza meso ako utarise zvakakukomberedza: vose vanoungana uye vanouya kwauri, vanakomana vako vanobva kure, uye vanasikana vako vanotakurwa pamaoko.

5. Ipapo uchatarisa ugopenya, mwoyo wako uchakwata uye uchazara nomufaro; upfumi huri pamusoro pamakungwa huchauyiswa kwauri, pfuma yendudzi ichauya kwauri.

6. Mapoka engamera achazadza nyika yako, mhuru dzengamera dzeMidhiani neEfa. Uye vose vanobva kuShebha vachauya, vakatakura goridhe nezvinonhuwira vachiparidza kurumbidzwa kwaJehovha.

7. Mapoka eKedhari achaunganidzirwa kwauri makondohwe eNebhayoti achakushumira: achagamuchirwa sezvipo paaritari yangu, uye ndichashongedza temberi yangu yokukudzwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 60