Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 52:7-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzavanouya namashoko akanaka, vanoparidza rugare, vanouya namashoko akanaka, vanoparidza ruponeso, vanoti kuZioni, “Mwari wako anotonga!”

8. Chinzwa! Nharirire dzako dzinodanidzira namanzwi adzo; vanopembera nomufaro pamwe chete. Panodzokera Jehovha kuZioni, vachazviona nameso avo pachavo.

9. Pururudzai muimbe nziyo dzomufaro pamwe chete, imi matongo eJerusarema, nokuti Jehovha anyaradza vanhu vake, akadzikinura Jerusarema.

10. Jehovha acharatidza ruoko rwake rutsvene pamberi pendudzi dzose, uye magumo ose enyika achaona ruponeso rwaMwari wedu.

11. Ibvai, ibvai, budai ikoko! Musabata chinhu chine tsvina! Budaimo mugova vakachena, imi munotakura midziyo yaJehovha.

12. Asi hamungazobudi nokukurumidza kana kuenda muchitiza; nokuti Jehovha achakutungamirirai, Mwari waIsraeri achakurindai mushure.

13. Tarirai muranda wangu achaita nouchenjeri; achasimudzirwa uye achakwidzwa pamusoro, uye achakudzwa kwazvo.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 52