Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 52:10-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Jehovha acharatidza ruoko rwake rutsvene pamberi pendudzi dzose, uye magumo ose enyika achaona ruponeso rwaMwari wedu.

11. Ibvai, ibvai, budai ikoko! Musabata chinhu chine tsvina! Budaimo mugova vakachena, imi munotakura midziyo yaJehovha.

12. Asi hamungazobudi nokukurumidza kana kuenda muchitiza; nokuti Jehovha achakutungamirirai, Mwari waIsraeri achakurindai mushure.

13. Tarirai muranda wangu achaita nouchenjeri; achasimudzirwa uye achakwidzwa pamusoro, uye achakudzwa kwazvo.

14. Sezvo vazhinji vakashamiswa naye, chiso chake chakanga chakakuvadzwa zvikuru, kupfuura chomunhu upi zvake, uye chimiro chake chakanga chakanganiswa, kupfuura kuratidzika kwomunhu,

15. saka iye achasasa ndudzi zhinji, uye madzimambo achafumbira miromo nokuda kwake. Nokuti zvavakanga vasina kuudzwa, vachazviona, uye zvavasina kumbonzwa, vachazvinzwisisa.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 52