Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 49:8-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Zvanzi naJehovha,“Nenguva yangu yakafanira, ndichakupindura, uye pazuva roruponeso ndichakubatsira; ndichakuchengeta uye ndichakuita kuti uve sungano yavanhu, kuti umutsiridze nyika uye uvagarise patsva nhaka yakaparara,

9. kuti uti kunhapwa, ‘Budai,’ nokuna avo vari murima, ‘Uyai muchiedza!’“Vachadya zvokudya parutivi rwenzira, uye vachawana mafuro pazvikomo zvose zvisina zvibereko.

10. Havangavi nenzara kana nyota, havangabayiwi nokupisa kwegwenga, kana nokupisa kwezuva. Iye anovanzwira tsitsi achavatungamirira, uye achavafambisa napazvitubu zvemvura.

11. Ndichashandura makomo angu ose kuti ave migwagwa, uye migwagwa yangu mikuru ichasimudzirwa.

12. Tarirai vachauya vachibva kure: vamwe vachibva nechokumusoro, vamwe nechokumavirazuva, vamwe nokurutivi rweAsiwani.”

13. Imbai, imi matenga, pembera iwe nyika; imbai rwiyo imi makomo! Nokuti Jehovha anonyaradza vanhu vake, uye achava netsitsi navanhu vake vanotambudzika.

14. Asi Zioni rakati, “Jehovha akandisiya, Jehovha akandikanganwa.”

15. “Ko, mai vangakanganwa mucheche anonwa ari pachipfuva chavo, uye vangasanzwira tsitsi mwana wavakazvara here? Kunyange hazvo ivo vakakanganwa, ini handizokukanganwi!

16. Tarira, ndakakunyora pazvanza zvamaoko angu; madziro ako anogara ari mberi kwangu.

17. Vanakomana vako vanokurumidza kudzoka shure, uye vose vaikuparadza vachabva kwauri.

18. Simudza meso ako utarise kwose kwose; vanakomana vako vose vanoungana vachiuya kwauri.” Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Jehovha,“uchavafuka vose sezvishongo: uchavapfeka, somwenga.

19. “Kunyange wakaparadzwa ukaitwa dongo, uye nyika yako yakasiyiwa yava dongo, zvino vanhu vako havachakwani mauri, uye vose vaikumedza vachava kure.

20. vana vakaberekwa panguva yokufirwa kwako vachatizve munzeve dzako, ‘Nzvimbo iyi yava diki kwatiri: tipeiwo nzvimbo yakatambanuka yatingagara.’

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 49