Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 49:11-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Ndichashandura makomo angu ose kuti ave migwagwa, uye migwagwa yangu mikuru ichasimudzirwa.

12. Tarirai vachauya vachibva kure: vamwe vachibva nechokumusoro, vamwe nechokumavirazuva, vamwe nokurutivi rweAsiwani.”

13. Imbai, imi matenga, pembera iwe nyika; imbai rwiyo imi makomo! Nokuti Jehovha anonyaradza vanhu vake, uye achava netsitsi navanhu vake vanotambudzika.

14. Asi Zioni rakati, “Jehovha akandisiya, Jehovha akandikanganwa.”

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 49