Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 49:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndinzwei, imi zviwi; inzwai izvi, imi ndudzi dziri kure; Jehovha akandidana ndisati ndaberekwa; kubva pakuzvarwa kwangu akataura zita rangu.

2. Akaita muromo wangu somunondo unopinza, akandiviga mumumvuri wechanza chake; akandiita museve unopenya, akandiviga mugomba rake.

3. Akati kwandiri, “Ndiwe muranda wangu, Israeri, wandicharatidza kubwinya kwangumaari.”

4. Asi ndakati, “Ndakashandira pasina, ndapedza simba rangu pane zvisina maturo uye pasina. Nyamba zvakandifanira ini zviri muruoko rwaJehovha, uye mubayiro wangu uri kuna Mwari.”

5. Zvino Jehovha anoti, iye akandiumba ndiri muchizvaro kuti ndive muranda wake, kuti ndidzorere Jakobho kwaari uye kuti Israeri vaunganidzwezve kwaari, nokuti ndinokudzwa pamberi paJehovha, uye Mwari wangu ndiye simba rangu,

6. iye anoti: “Chinhu chiduku kwazvo kuti iwe uve muranda wangu, anomutsazve marudzi aJakobho nokudzosa avo vaIsraeri vandakachengeta. Uyezve ndichakuita chiedza chavahedheni, kuti uuyise ruponeso rwangu kumigumo yenyika.”

7. Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri noMutsvene waIsraeri, kuna iye akanga azvidzwa nokusemwa namarudzi, kumuranda wavabati, “Madzimambo achakuona agosimuka, machinda achaona agokotamira pasi, nokuda kwaJehovha akatendeka, Mutsvene waIsraeri, akakusarudza.”

8. Zvanzi naJehovha,“Nenguva yangu yakafanira, ndichakupindura, uye pazuva roruponeso ndichakubatsira; ndichakuchengeta uye ndichakuita kuti uve sungano yavanhu, kuti umutsiridze nyika uye uvagarise patsva nhaka yakaparara,

9. kuti uti kunhapwa, ‘Budai,’ nokuna avo vari murima, ‘Uyai muchiedza!’“Vachadya zvokudya parutivi rwenzira, uye vachawana mafuro pazvikomo zvose zvisina zvibereko.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 49