Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 48:19-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Zvizvarwa zvako zvingadai zvakaita sejecha, navana vako vakaita setsanga dzejecha dzisingaverengeki; zita ravo haraimboparara kana kuparadzwa pamberi pangu.”

20. Ibvai muBhabhironi, tizai vaBhabhironi! Zivisai izvi nomufaro mukuru, uye muzviparidze. Zvitumirei kumagumo enyika; muti, “Jehovha adzikinura muranda wake Jakobho.”

21. Havana kunzwa nyota paakavatungamirira mugwenga; akaita kuti mvura iyerere ichibva mudombo, achiitira ivo; akatsemura dombo mvura ikatubuka.

22. “Vakaipa havana rugare,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 48